MOV

Gore zvaratopera,
Tichidya Magodo kudai,
Chikanya kudya tichipfachura,
Chanakira isu MOV,
TaZaranyika kudai.

Tototenda imi Chidavaenzi,
Tingadai tisiri padare rino neChiwandire charo,
Navakuru vedu Banda naDapira,
Tichikurukura zvakadzama Mandisodza,
Sechinyakare kwaMunowenyu kwataimwa mhamba kwadikwadi.

Mufundisi Dube vanoti dzidzai,
Mapepeta kubva mune zvamakatadza,
Kana idzo Nzounhenda dzekwedu Sanhanga,
Kujinga kwegomo Chikota,
Hadzidonheri muGomba rimwe kaviri.

Zvakayi rambai Mashinya,
Matondo aya Majore, anopa apunyaira,
Iyo yapinda Mumbure rweRwodzi Bayayi,
Borerwe, rova netsvimbo Mutonhodza,
Mudye mose Mufute, Kodzanayi.

Vhimai madiro Mutasa kusvika Marange,
Munyebvu vadzo mhembwe moita midzonga,
Asi Mwayera shumba musadya,
Remekedzai Chirochierwa cheMBHS,
WHHHHHAAAAAAAAA!

Zviuya zviri Mberi,
Runotarira shure Rwarasika,
Mvenge mvenge chaiyo,
NeKuwengwa nevane tariro nesu,
Nhasi urombe asi mangwana Duma.

Hongu takaperera Musere gore rino,
Rinotewera Maupfu toita Kuture,
Patichatenda Kanyemba tanwira mvura,
Pedzeni Mhembere yotevera,
Katsika kaye kekuridza Ngoma.

Kupembera kupera kwegore nechikwata cheMOV (Men of Valour) – MBHS (Mutare Boys High School) Old Boys Association.  Mazwi ari muItalics mazita edzimwe nhengo dzeMOV.

Author: nyobvo

Muremekedzi weShona rurimi rwamai

2 thoughts on “MOV”

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s