Basa mangwanani

Kumuka rudzii chokwadi,
Zuva racheka nyika kudai,
Tora hamiro iyo netambo,
Kudanga utevere kurumidza,
Tingavana dzamira nemhuru!

Tarira muzukuru mwachewe,
Wafumobata jongwe muromo,
Nzombe Jega naSiferi pajoki,
Vadzimai mushure nembeu,
Gore remvura rowungana!

Usatevedza sahwira muerabadza,
Wekumera zenze muna Gunyana,
Zhizha zvanzi musana vorwadza,
Zvazviita badza kugura mupini,
Wozomuona kusiririsa tokohwa.

Wedu mukuwasha swerakuenda,
Wafumoshamba machemashiri,
Orowa masango kunanga mhiri,
Kwaanzwa ngoma yendari kurira,
Musiya dzasukwa haadzoki chimbi.

Museyamwa otiza munda murefu,
Odzoka Mbire kunyii netsombori,
Dzaanokohwa pasina rake ziya,
Kukanga mbeu achimirira nyadenga,
Tichaonana matako pakuyambuka.

Hongu gumbeze radziya netsvina,
Asika munhu haarerwi nebonde,
Kutomuka, mukuyu hauvingi shiri,
Mambakwedza kudai kuchapitirira,
Basa mangwanani!

Author: nyobvo

Muremekedzi weShona rurimi rwamai

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s