Mutare

cropped-images.jpg

Kumakomoyo!
Mutare guta guru reManyika,
Rizere utare, goridhe nendarama,
Nezvuru zvevanhu zvine tsitsi nengoni,
Kana usati wasvika uri kurasika papi,
Rega kupedzera tsvimbo kumakunguo,
Hakuna rimwe guta rakadai, izai regondo,
Inzwa ini, huya uone mashura nezviratidzo,
Ziriwo rechembere ziramba waravira,
Ukanonoka tingoonana maenza!

Svika tikuratidze chinonzi dhorobha,
Rakawakwa neruzivo rwemandorokwati,
Rakatangira Tsambe kumusoro kwaMutasa,
Pedze tende, kutura befu paMutare Mudhara,
Ndokuzodzika midzi pano pakati pamakomo,
Padyo nemuganhu Machipanda toenda nyanza,
Kumabvazuva kuchekererana nePutukezi,
Dunhu rinonaya nekamhepo kanotonhorera,
Kachifuridzira pakati peBvumba neImbeza,
Kochekerera neChristmas Pass kumadokero.

Zvishamiso nezviratidzo gumi nefararira,
Wada zvekubhururuka nhandare yendenge iripo,
Nzvimbo dzakachengetedzwa Cecil Kopje neTiger Kloof,
Mutare Musuem neNational Gallery yeZimbabwe,
Chechi yeMutare Boys neCross Kopje kurangarira mauto,
Gomo reMurahwa nezvinyorwa zvagochai matehwe,
Mugomba nhandare yenhabvu nemitambo,
Haungati wasvika usina kuenda paMusika weHuku,
Paunowana twese hatwo twaungade,
Haticharevi mapopomo akatitenderedza.

Chii chaungada chaunoshaya kwaMutare,
Michero mhando nemhando itsaraude,
Kubva kumabhanana kusvika kuzvinanazi,
Kana yemusango mazhanje nematohwe,
Putugadzike inozivikanwa pasi rose,
Katiyo neTanganda inogadzirwa munharaunda,
Chibage, madhumbe, mbambaira hatichatauri,
Kugadzira mari nemiti, matanda nemapuranga,
Zvivezwa zvemunyaka unozviona imo muno,
Ndarama pano paPenhalonga neChiadzwa.

Tinadzo nyanzvi vamiririri vedhorobha,
Vemukurumbira muhondo yechimurenga,
Vanamukoma Hebert Chitepo naEdgar Tekere,
Mumatongerwe enyika varimo vagari veMutare,
Lawrence Mudehwe naSupa Mandiwanzira,
Shasha vatambi wemitambo tinavo neuwandu,
Farai Tumbare, Genius Chidzikwe, Ngoni Chibuwe,
Hakamukaka dzenhabvu chete hadziverengeki,
Willard Katsande, Washington Arubi, Onismor Bhasera,
Zvikwata Mutare City Rovers, Buffaloes neTanganda.

Inzwisa chete iyi makomborero haaperi kuverenga,
Vemabhizinisi vanotengesa mvura kune vari mudziva,
Isau Mupfumi naErnest Mungwari (Tenda) wemabhazi,
Kana zvekuimba, zvivezwa nekufadza vanhu,
Vakoma Chiwoniso Maraire naDaniel Baradza,
VanaMunyebvu vozvidanawo kuti Nyanduri,
Zvitombo zvinozivikana mhiri kwemakungwana,
Arthur Mutambara nachiremba Tichafa Parirenyatwa,
Nevarungu Donal Lamont vaimirira zvido zveruzhinji,
Kudadisa zviri pachena, rine manyanga hatiputirwe!

Mikono nemhou dzobhonga zvine mukurumbira,
Dzaive mhuru murokesheni rwerino guta,
Kutanga Sakubva todzika kunanga Dangamvura,
Chikanga yokura kusvika Garikai neHobhouse,
Ringanzi dhorobha here risina Musha Mukadzi,
Nechepakati poita Florida, Yeovil neDarlington,
Greenside, Palmerston, Morningside neFairbridge.
Kupfuura kumusoro kuTiger’s Kloof neMurambi,
Dzakatikomberedza tingaswerera kudoma,
Kugarika chete, kureva ndokunei.

Irwo ruzivo nehuchengeri zvisingazivi miganhu,
Zvakabva imo muzvikoro zvisina muenzaniso,
Kutanga pane zvevadiki paSakubva neMutanda,
Hazviperi, Rujeko, Sheni, Dangare, Mutare Junior,
Kuti yarukei voenda Dangamvura neSakubva,
Nyamauru, Hartzell neMutare Girls neBoys High,
Kana wada kuenderera mberi zviri kwauri,
Africa University iri muno neManicaland College,
Mutare Teachers neMarymount ndeye vadzidzisi,
Mabasa emaoko paMagamba neMutare Polytechnic.

Zvinonzi vani roorerai Manyika,
Kune vanhu vachiri kuremekedza tsika,
Asika hunaki hwemukadzi huri pamwana,
Mhembwe rudzi inozvara ane kazhumu,
Dhorobha rose rakazvipira kutsva sehadyana,
Inokangira vamwe mavhidyongo aisingadyi,
Hupenyu nyorenyore pasina bongozozo,
Huya uzvionere Mutare pamhuno sefodya,
Chinono chine’ngwe, chachaya,
Ehe, tisu anhu acho!

Author: nyobvo

Muremekedzi weShona rurimi rwamai

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s