Ndomupaka mupfuhwira

Weduwe-e muchauraya varume,
Nemadirativhange amunovadyisa,
Asina anoziva, zvino akodzongwa,
Mamhepo, muzita remupfuhwira!

Godobori ndawirwa nerushambwa,
Kutizwa newangu murume, ondisema,
Ndipei renyu gachichi remushonga,
Adzoke zvakare kundida moto!

Chitora nyoka idzi dziri mbiri,
Rume nehadzi, ndedzako kubva nhasi,
Kudzitsonya ndiko kudzidana,
Wodzisungirira muchiuno sechuma.

Kadende aka voita zvekuzora,
Mangwanani ega ega nemanheru,
Asi wotanga vageza kuota,
Wagara une ganda remvura.

Uyu vakakuyiva unenge dota,
Imbute inomupa chadzimira,
Apinda mumba mauro vokusha ruwanze,
Wofumotsvaira ari mambakwedza.

Kano kaguchu iropa regudo,
Unongoti tsvoti, donhwe rimwe muputugadzike,
Uwanze mukaka netsvigiri zvirege kuonekwa,
Haazofi akasvipirwa kunze kwemusha.

Sadza wobika neiyi mvura yakageza mushakabvu,
Kana hadyana yave pedyo nekuibva,
Ita zvekutonona, wodikitira ipo pamusoro,
Womupakurira chiri chikanganwahama!

Yandakupa yakasimba, haishandi nguva imwe,
Zvikanyanya haazodi kana kukusiya,
Ongotewera mushure kwese nekutsime,
Kana wapererwa, dzoka ndikupe vekurutsisa.

Ndokuruma nzeve, tamba wakachenjera,
Itsekwende, ukawarairwa uchabatwa chete,
Pamwe audzwa neveukama, pada anyumwa,
Gava rikadimbura musungo unozviona!

Author: nyobvo

Muremekedzi weShona rurimi rwamai

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s