Tiri vana vamambo

Iyo ngaisiye matambo,
Munozvidenhera zvakazvigarira,
Mukarumwa nechekuchera,
Tiri vana vamambo isu!

Patatsika toita setichanyura,
Ishe ndishe, muranda muranda,
Taramuka panotamba dera,
Ane chake ane manyawi!

Dundundu takamisa mberi!
Kutsenga mvura ichibuda masese,
Hatirovi imbwa takaviga mupini!
Ndezvehuru, doko dzinonyika miswe!

Chiropa kwedu hachiseveswi sadza,
Kwatinodya zvavapfupi nekureba,
Kupfachura, zvimwe tichikandira shiri,
Vana tsuro mokotsa muromo!

Hatisvikirwe, tinosvika tega!
Munyai anotipedzera nguva,
Muswe wekutumira haurebi,
Kugogodza pachedu, mbune!

Kana tati wenyu tamuda?
Tezvara tangai kunyemwerera,
Mwanaka agara muhupfu uyu?
Iye mukunda ndimapfumise!

Chinono chagara ndeche’ngwe,
Tsvimborume inodya yakawaridza,
Roora kubhadhara chiriporipotyo,
Wedu topakata sahombarume!

Zvino makatyamadzwa nei?
Ngezvemo zvimbutu zvamaonde,
Musina kunzwisisa totsanangura,
Benzi bvunza rakanaka!

Hatikendenge, ko kutyei?
Kudada pachena, munotidii?
Kurereka, kuzvityora kudii?
Tiri vana vamambo isu!

Author: nyobvo

Muremekedzi weShona rurimi rwamai

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s