Rega ndikurume nzeve
Huya ndikuyambire mwanangu, Chirega kuti tasa pamberi pavakuru, Gara pasi, zvichati torei nguva, Handiti wagara wanga wadya? Nyika yaugere yakanaka kwazvo, Yaunoshora uchida…
Huya ndikuyambire mwanangu, Chirega kuti tasa pamberi pavakuru, Gara pasi, zvichati torei nguva, Handiti wagara wanga wadya? Nyika yaugere yakanaka kwazvo, Yaunoshora uchida…
Mwanangu Chiramwiwa Endawo kumagaka Tizope vaNyamande Vane meso machena Anenge engururu Ngururu dzachijaka Dzinongojakaira Nenyika dzose dzose
Ndiripo pamusoro peNyachirongo, Ndakatarisa bani reMatiashe, Ndakanuka ndangoshama muromo, Nyika yakanaka iyi wedu-we! Kufunga ndakakurira nyika dzino, Kana neni ndinozviramba, Ko nei ndaisazviona…
Rega kuonererwa, Kudira jecha zvinhu zvavakuru, Pagurumwandira nekuona vanhu, Vakomana vanokuvhakachira, Usiku, mapere otanga kufamba, Vokugadzirisa kwadikwadi, Paunoti regai zvangu ndizorore, Paye dzichangotanga…
Makorokoto, makorokoto, makorokoto! (Aya ndivo makorokoto) Makorokoto, makorokoto, makorokoto! (Aya ndivo makorokoto) …
Ndakagara zvangu ndazviona, Kumiramira, vaiwe muchekadzafa, Nemaziso kuti uri benyumundiro, Kaendwa haudzoki, musiyadzasukwa, Mavara kutaima aiwa eshato. Bva rwagara rudo ibofu, Poshi, piri,…
Pane angakwanisa kumisa zviroto, Zvemwanasikana afunga twake, Kuzvisunungura kubva munhamo, Yamugare ndare paruzevha, Paanodadirwa nevakaenda kare, Vanodzoka nemeso machena, Anotaima kana nemujiho, Vakarova…