Chiramwa

Vafana vemazuvano chiramwa!
Panopano kuridza tsamwa,
Ndezvako izvo, handikendenge,
Vajaira dzavo nharembodza,
Kumasaisai kwavanoswerotandara,
Kare kwedu vaiwe moyo murefu,
Kukuvara nenhomba wakatarira,
Nyama, uku uchingoseva nemuto,
Dakara mukoma vazofunga kunhonga,
Kufa nenyota makumbo ari mumvura,
Potse-potse waitofira mugota,
Kwaive kutomera man’a nekufambira,
Usati wabvumidzwa kana kugunzva,
Wokumbira rubatsiro kudzinza rose,
Gwevedzi, Munyai naSadombo,
Chindakuda mopanana nenhumbi,
Womirira rudo rwupise semarasha,
Usati vatemwa rusambo nedanga!

Author: nyobvo

Muremekedzi weShona rurimi rwamai

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Google photo

You are commenting using your Google account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s