Adzika midzi

Upenyu hwacho haunzwisisiki,
Ndaiwe pamusoro ndichayaruka,
Ndokuzvivanira wangu zvangu akatiya,
Ino tsvarakadenga yakaoma nyama.

Donzvo riri rekuvaka musha,
Ndikati kubva ini ndagarika!
Sadza ndoita rekugwadamirwa,
Yekugeza yotanga yaitwa kudziisa!

Zvino hameno chakatora nzvimbo!
Adzika midzi, pagarwa hapasimukwi,
Kungomuka chidya chave mukanwa,
Basa kungoita rechirango, risina basa!

Afamba mbiri yekupopota, kudya gaka,
Kunditsvaga, kuenderera zvisina muganhu.
Kana simba rekupindura ndashaya, pada,
Ndakarohwa nechivharangozi kumeso.

Kunonoka kufunga, manje ndaitei?
Kupotsa muromo paruzhinji, ndairasa!
Dai zvangu ndachemera mumwoyo,
Zvanyangara, ndinouziva hunhu hwake!

Ndichisimuka pano kutobata gotsi,
Hapachina yekutamba, yadeuka.
Nyaya yacho haichaiti kufambira,
Kutoonana matako pakuyambuka!

Ndinomuziva ini, nhasi hakurimwi,
Iro rinopisa manheru ano haridyivi,
Kana husiku hwese kani, hakurarwi,
Pupu ngwe-e, pungwe pasina mabori.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*