Amina
Amina Amina kadeya Kungovheya Amina wandishamisa P.O.Box Marandellas, Marandellas Dhumbembe dhumbembe dhumbembe Amina ju-u jekiseni
Vana Vevhu
Amina Amina kadeya Kungovheya Amina wandishamisa P.O.Box Marandellas, Marandellas Dhumbembe dhumbembe dhumbembe Amina ju-u jekiseni
Ita mombe paruzevha tikurume nzeve, Ndarama yechivanhu kubva chinyakare, Kana pari papi zvapo parere moyo, Une dzinotsika zvose zvakati twasu, Zvinoda dzakasangana hadzi nehono, Kubatsirana ose mabasa epamusha. Nzombe huru Continue Reading →
Ndiro Zhizha yonaya yemheni nemabhanan’ana, Ngava naSaManyika mungoonana ano Maenza, Mbudzi pazamu, Zvita mabiko neNdira mumunda, Patinoshanyura makura nekudyara minda yose, Pedze kutora muzira pakusakura nekukofora, Hapana inofura iwete mabasa Continue Reading →
Mukutanga kwerino gore, Taive netariro yekukunda, Tiri pachedu tichikwenyana, Tichiti zviuya zviri mberi. Vazhinji vaiti mutambo vepwere, Manyengedza pfungwa efodya, Inozadza matama ose nehutsi, Husingasviki nekuguru kwese. Zvavo zvinotarisika sezvine Continue Reading →
Ndakatumwa namhamha Kunotenga masamba Ndikasangana nejaya Rikati ndinokuda Ndikati sve-e handikudi Ndoda mupositori Anonditengera bhareta Nemudonzvo wesirivha Kana hondo yauya Ndohwanda mumandebvu Ndohwanda mumandebvu Ndohwanda mumandebvu …
Nyika ihombe kwazvo tinokwana tose, Mombe madhongi nehwai ifararira, Panhabvu tukomana injodzi munhandare, Tusikana tuchitamba dhere nemamhuza, Inongova njakenjake nharaunda yose, Kana anokendenga kuti kunze kunei, Hapana kurwirana mweya wokufema. Continue Reading →
Svikai svikai kani, Titambire mwauya kwedu, Hekani matenga hekani, Tatsikwa ndihombarume, Tisingafungire chokwadi, Tibate, mwauya-a! Bereka gumbo chikomana, Paseri pechikomo kurumidza, Baba pavarikuturika mikoko, Vauye zvino mutungamidzane, Uti sekuru vauya Continue Reading →
Kumakomoyo! Mutare guta guru reManyika, Rizere utare, goridhe nendarama, Nezvuru zvevanhu zvine tsitsi nengoni, Kana usati wasvika uri kurasika papi, Rega kupedzera tsvimbo kumakunguo, Hakuna rimwe guta rakadai, izai regondo, Continue Reading →
Hwai hwai voye (Hoye) Huyai kumusha (Tinotya) Munotyei (Mapere) Mapere akapera kufa kare kare
Muka iwe watotesa pekurara, Geza kumeso ubvise mabori, Marirangwe mhou dzobova, Unowana dzamira nemhuru. Usunge madhonza ose ari mana, Pasi raoma yanaya kave kare, Dzimwe dzose usairire kumakura, Tozotevera rufuramhembwe. Continue Reading →