Rufaro rwetsinye

Zvako iwe hazvinzwisisike,
Kufara nemisodzi yevamwe,
Magaramoyo, izvi zvinorwadza,
Zvinofadza bedzi wauya nazvo,
Nyemwerero vamwe vakasuwa,
Wagara wakanaka wakarara,
Kumuka chete kungobvotomoka,
Miromo isingamharwi nenhunzi,
Chabatwa nanhingi chakashata,
Nei asina kubvunza rako zano?
Ari kumhepo anonhuwa tsvina,
Nhasi hauna kumuona achigeza,
Uyo anokutaura mazuva ese,
Hameno chaanoda chaunacho,
Kugara muromo uri mumhuno,
Uchinda kuona anokutanga,
Chirega zvako kuzvinetsa,
Rwako ruwanze harutsikwi,
Muramba kukokwa muramba hweni,
Manje zvausingarari zvekumhanya,
Uchinamatira nhamo kune vamwe,
Munzira dzavo kusunga rundaza,
Zvino yavo minyengetero yakasimba,
Iye mwari ndeve munhu wese!

Nhambe muchando-chena

Yedu yekusada kusarira,
Taiweko iko kumakomo!
Tichitamba muchando-chena,
Kukwira takagara pazvituru,
Kudzoka tichikunguruka,
Takapfeka makwati pashangu,
Kuti tinyatsomhanya nebani,
Yaingowe wasara-wasara,
Mazvake-mazvake kudya kwembada,
Watadza kukurumidza kukona,
Pamwe woumburuka muchando,
Dziripo nzira dzavachangotanga,
Zhinji ndedze voti gonei,
Tsvuku nenhema ndedzeshasha,
Vakakura nazvo havadi kana nzira,
Kungoti bangwa nemawere,
Chitaurirwa imi woye-e,
Yaingowe ooooh, aaaah, urrrgh!
Chikakarara nganda reshumba!
Kushanja kune mamwe marudzi?
Kutsvaka chekufa ndicho!

Ndiye wandaitsvaga

Ndiye wandaitsvaga,
Iyeyu ane ndoro chena,
Akajekererawoka pameso,
Kudadisa pane vamwe,
Iro shava, ganda remvura,
Rinopenya senyeredzi,
Anogutsikana nezvaari,
Zvevamwe ndezvevamwe,
Anotsungirira munhamo,
Kufambirana nezvatiri,
Nekupembera pamabiko,
Kuti nhasi ndezveduwo,
Anotarira zviri mberi,
Zviri shure ndezvazviri,
Ane pfungwa dzake oga,
Dzevamwe ndedze zano,
Anondizvarira mhandara,
Nehakamukaka dzemajaya,
Nama, kuramba ari pedyo,
Kuzambira rangu bendekete,
Narini narini kwemakore,
Murufaro nematambudziko!

Rega ndikurume nzeve

Huya ndikuyambire mwanangu,
Chirega kuti tasa pamberi pavakuru,
Gara pasi, zvichati torei nguva,
Handiti wagara wanga wadya?

Nyika yaugere yakanaka kwazvo,
Yaunoshora uchida dzevamwe,
Pameso pako ndeyemanga-manga,
Uchaishuwira mukore unotevera,
Chifara nayo zvinogutsa hana.

Imo mumamana mauchapinda,
Usanyara kuvaratidza dzako nyora,
Haungatizizve mubvuri vako,
Mavanga anoratidza kwaunobva,
Kuti uone kuziva kwawakananga,
Kuda vamwe hunge wazvida pachako!

Dzidza kudya zvakadzikama,
Zvine mwero, kwete kuzvimbirwa,
Zvishoma, usati ndazvionerei,
Sehama dzamai vako pano!
Izvo zvamunorima nemaoko enyu,
Zvinobva kure hazvina anoziva,
Wozvipereka negapu remvura!

Uchawa nesimba zhinji pakuyaruka,
Chiwa chiremera chavari kure,
Unake divi rinotamba neve pedyo,
Uwe muchengeti wemazera ose,
Musimboti wevaduku, vokutarisira,
Usakanganwa kuremekedza vakuru,
Paunoti dzvutu, kupedza nyota,
Ita rimwe uchidira muvhu,
Kupembedza vadzimu, vagokutarira.

Paunozoti kure, wotsvaga shamwari,
Yako yepamwoyo, ine ndoro chena,
Rangarira hapana akarurama zvose,
Mumwe nemumwe ane zvaanotadza,
Asika mukadzi haarohwi mwanangu,
Imbabvu yako, ichengetedze nerudo!

Peta muswe paruzhinji, kuzvininipisa,
Kwete kugara mutonono pane vanyarikani,
Kungobweteketa sedzisimo pane vamwe,
Hupenyu imhindupindu zvaunoona,
Irombe richaenda pakudzoka iduma,
Usaseka vamwe kana uchinge wayambuka,
Hukuru hunoonekwa nekusimudzira vamwe.

Shinja

Ndiripo pamusoro peNyachirongo,
Ndakatarisa bani reMatiashe,
Ndakanuka ndangoshama muromo,
Nyika yakanaka iyi wedu-we!

Kufunga ndakakurira nyika dzino,
Kana neni ndinozviramba,
Ko nei ndaisazviona ndichiyaruka?
Ndichishuwira nzvimbo dzevamwe.

Nguva yafamba ndichingoyewa,
Kana nzara kuinzwa bodo,
Ndatanga ndiri munzviru nenhengeni,
Zvino ndawe mumatohwe nechecheni.

Husavi zvemauro hwarongeka,
Nembwa yangu Muroyindishe,
Katsuro zvese nemhembwe tabata,
Mutikiti tombozorora kwemazuva.

Sehoromba ndodzika kuchiro,
Kuremekedza masango, zvokodoka,
Kuti nonoke, mapere otanga kurira,
Ndikapera nechakapedza mbudzi.

Kusvika nekamufambiro keabaya,
Ma’mwana vachirova kamupururu,
Muruwanze, kunditenda nemutupo,
Misodzi yoita seichadonha.

Zvino vamai vondipa manyemwe,
Kumona tsambakodzi yerukweza,
Kuraudza chembere muto venyama,
Kuda kuti harahwa ifire musango!