Dukuduri wakafa
Hona vanhu, hona vanhu-we! (Kamwe kakati – vaneiko, vaneiko-we?) Kamwe kakati – vane tsenza, vane tsenza-we! (Kamwe kakati – kumbira tipivevo?) Kamwe kakati – hatiroyivi here? (Kamwe kakati – huroyi Continue Reading →
Vana Vevhu
Mvengemvenge
Hona vanhu, hona vanhu-we! (Kamwe kakati – vaneiko, vaneiko-we?) Kamwe kakati – vane tsenza, vane tsenza-we! (Kamwe kakati – kumbira tipivevo?) Kamwe kakati – hatiroyivi here? (Kamwe kakati – huroyi Continue Reading →
Motomuka hwandambe zhizha rino, Zvakwakanaya, sunga maviri bedzi, Uyu osungawo maviri madhonza, Iwe pamberi kutara mitsetse yembeu, Uyu otevera mushure meanokandira. Parinopisa rerudziyakamwe, Kumurai pamwe, mudzizorodze, Imi mogara mubvute remuMango, Continue Reading →
Muchindiona zvenyu madzimai, Kuuya kutsime runyanhiriri kudai, Inyasha, muviri wakati rukutu, Kuziva nzira kungoti ndarovedzera, Kwandabva kufambira muhope, Ndamborara here madeko? Nayoka yavaMafukidze! Padzinotanga kubata, ikati yapinda, Panopano yaamo zvakare, Continue Reading →
Ndobhuye gwinyiso nyamusi, Kanyi handichaguriko, Madhodha akona mikonyo, Haarembi kureketa, Uyu onini wepamutunhu, Iye Mutsapato wepamhiri, Ndumure dzake indururani, Misakainzwa chakata, kukwesa! Kwaakondimake fongo, Echondikaba mupunhuro, Piriwiri, ndichobude ngazi! Kubeni Continue Reading →
Tsatsa ndikatsandika (Ndikatsa) Shinja ndikatsandika (Ndikatsa) Munyanyazi ndikatsandika (Ndikatsa) Odzi ndikatsandika (Ndikatsa) Save ndikatsandika (Ndikatsa) Zambezi ndikatsandika (Ndikatsa) Mukuwisi ndikatsandika (Ndikatsa) …
Iye Musikavanhu ane chinya, Kupa nerudyi obvuta neruboshwe, Kugadzira nzvimbo inodiwa nevese, Pedze onamatira ipapo muchetura, Zvino vanaMubviri vapinda pfumvu, Kufira pakati pemakumbo sengoma! Kana ivo varume veKaroi voshinha, Voisa Continue Reading →
Ndezvekungonyengerera, Nguva dzese kungokumbira, Kuti ma’mwana swederai pedyo? Zvanzi zvipi, moda kudini kwacho, Kubva mukai muende kumunda? Tana, vachamuka nguva yavanoda, Zvino mutsai zvenyu vana vandibatsire? Hunzi regai vambosesedza hope, Continue Reading →
Nhingi ndiye akadai, Ekera yake yakafundumara, Uyu akandikonyon’ora, Kudhumana ndosunga bhutsu, Uya agara akandiwenga, Handitauri naye bodo, Kumuona ropa rinogwamba, Wangu ane ruchengera, Kuda kuziva kesekese, Wasu wako makuhwa kani, Continue Reading →
Rengwendu, ndokwira matunhu! Kuyewa iyo yakatikomberedza, Mapani, mabakwa nemakura, Mashizha oyevedza ruvara, Inongova mudya nemeso! Inzwa runyararo kuti mwi-i, Bedzi kurira kwemashizha, Bva hutsi hwenyama hautosvori! Shiri, nyenze netupukanana, Zvinongotsviriridza Continue Reading →
Muka mudiwa, muka, Ndiri kungoumburuka siku rose, Kana icho chibani chongoti bari-bari, Tambo yotopera, haichasviki kuparafini, Chinguri ndabvira kunetsana neutunga, Hona dandemutande mudenga pambariro, Hope dziri kuramba kubata wena, Kachikokiyana Continue Reading →