Kushanja kwemangezi
Kushanja kwemangezi Kutsvaka chekufa ndicho …
Vana Vevhu
Kushanja kwemangezi Kutsvaka chekufa ndicho …
Dzungu kani, aitadza kana nekurara, Munda kufumomema ari mambakwedza, Zuva nezuva achindipfanya-pfanya, Kuri kuda kuziva kuti ndaibva here! Kundiyeva, zvanzi ndoda iro hombe! Rakasvika, rinovaima pakati pebindu, Irori randabata, rinozvara Continue Reading →
Ndanga ndati ndavanavozve vangu, Ndokuperera nemwoyo, ko-o ndaizivei? Akapfekenura ndokundirova kumeso, Dzesvitsa mhete ini ndokumupfekedza. Akaoma semukuyu, nyama zvese, Nemwoyo, okonja kutsenga serunda, Kumedza zvaramba, pahuro pagara bundu! Ndaona ndondo, Continue Reading →
Zvarinenge je-e nhandi, endaka! Uchiri kuitei, wakabatwa nani? Ini ndinokwikwidza senhengo, Zvinoda diti rangu ndozvandinoita. Ndinombonzi ani, haundizivi mushe! Ndakauya pano kuzogadzira ngozi, Handigezi, ko-o handidi hangu, Anenge asvotwa’bva ngaabude! Continue Reading →
Wandinyima bhasikoro, pombi ndinayo Yangu inopomba kwese, shure nemberi Wo iye re-e, wo iye re-e (Bhundu Boys)
Kutoshinga, ma’mwana, kufa hakuurayi! Yangu nhamo ndeye fodya yemudzanga, Inoti uku yakarumwa, kuno inotsva netumitemo, Tunovezwa nevarume, kuvapfavira vokushavira. Ndagara kumuka pahunotsvuka hutonga, Ndotsvaira ruvanze rwese pasina ati afamba. Tsve-e, Continue Reading →
Kungofunga kuti rugare rwuri kune imwe, Nzvimbo, hauzombofi vakafara paugere, Rake ziso rongoshoropodza zvarinoona, Dakara mwene aritakura, nekamukwende, Kunanga mugwagwa, kuchiteshi chebhazi! Kutanga kangori kagwanzi zvako kazere tsine, Nerukato, iko Continue Reading →
Ndanzwa ruzha rwesando nezvipikiri, Kurovera bhokisi reakatisiya madeko, Zhizha, pataipura nyemba nemusana, Aenda, zvese nemaguta akatekeshera. Hatina chakanaka, totsamwa kana yonaya, Kutirova nhongonya, ichierera nemumaziso, Kukoshiwa kunhuhwira kwejiho rabva kunaiva, Continue Reading →
Unaona! Kusenga bere nerichadya mbudzi, Havagoni kutsindika hana, yarema! Chavanoziva kuswerofukura hapwa, Kuti kwedu hapana chavanokwanisa, Havashandi saka tararira mbwirembwire. Pedze pindu, zvonzi hauchavimbi neni! Ndingakupa rimwe soko, une idi Continue Reading →
Tisvikevoka, nhasi zviri sei-sei? Manheru ano ndinewe mwatyewe! Ko-o, hini ndava kutsika madziro, Ndakabvira kare ndichikushevedza! Ndakatanga nekukutyora gumbo, Ndichiti umire kusimbisa mwiri. Zvino tava kutoverenga makore, Mana, uchingokumhina uchienda? Continue Reading →