Pijoti
Mumwe murume Wakaenda Sozibheri Kunotenga Bheri-bheri bhotomu Pakudzoka Wakatsikwa nemota Mota yacho Pio-pio pijoti
Vana Vevhu
Mumwe murume Wakaenda Sozibheri Kunotenga Bheri-bheri bhotomu Pakudzoka Wakatsikwa nemota Mota yacho Pio-pio pijoti
Ngatifare wangu mudikani! Uhu hupenyu idivakamwe, Sununguka zvino pachine nguva, Pasipanodya, kufa kwakauya! Vana vanoti unoshusha, Vamwene vakati unonyima, Dzako hama dzoti unonetsa, Vavakidzani voti unorema. Kwandiri uri svinga repwa, Continue Reading →
Ko-o, ndotangira papi? Ndakakuziva uchakadai! Kare nguva gochaimatehwe! Zvino ave makumi mashanu! Ungori ipo pano padivi, Rega ndimbodzora ndangariro, Kuenda iko kwazvakatangira. Ikoko kudanga remvura, Pawaikwira mumuMango, Wakarabwa vari munyasi, Continue Reading →
Ivo vaunoti ndeve pedyo, Wavainwa navo muchikura, Hama chaidzo dzemutupo, Dzamaiseva chaenga mose, Dzaikuda chose uchayaruka, Ndidzo pedze dzokupandukira, Kukubaya bakatwa kumusana, Kana uchinge wabudirira! Aikazve uchiri mupenyu? Zvirwere izvi, Continue Reading →
Pote pote Zakariende Pote pote Zakariende Ndinotsvaga wangu Zakariende Musuki wendiro Zakariende Anodzichenesa Zakariende Kuti chuchuchu Zakariende Semwedzi wagara Zakariende Uyo sara Uyo hande Haivaiva ndanga ndichirewa uyu Simuka hande Continue Reading →
Zvako iwe hazvinzwisisike, Kufara nemisodzi yevamwe, Magaramoyo, izvi zvinorwadza, Zvinofadza bedzi wauya nazvo, Nyemwerero vamwe vakasuwa, Wagara wakanaka wakarara, Kumuka chete kungobvotomoka, Miromo isingamharwi nenhunzi, Chabatwa nanhingi chakashata, Nei asina Continue Reading →
Yedu yekusada kusarira, Taiweko iko kumakomo! Tichitamba muchando-chena, Kukwira takagara pazvituru, Kudzoka tichikunguruka, Takapfeka makwati pashangu, Vamwe vagarira nhanzva, Kuti tinyatsomhanya nebani, Yaingowe wasara-wasara, Mazvake-mazvake kudya kwembada, Watadza kukurumidza kukona, Continue Reading →
Ndiye wandaitsvaga, Iyeyu ane ndoro chena, Akajekererawoka pameso, Kudadisa pane vamwe, Iro shava, ganda remvura, Rinopenya senyeredzi, Anogutsikana nezvaari, Zvevamwe ndezvevamwe, Kutsungirira munhamo, Kufambirana nezvatiri, Nekupembera pamabiko, Kuti nhasi ndezveduwo, Continue Reading →
Huya ndikuyambire mwanangu, Chirega kuti tasa pamberi pavakuru, Gara pasi, zvichati torei nguva, Handiti wagara wanga wadya? Nyika yaugere yakanaka kwazvo, Yaunoshora uchida dzevamwe, Pameso pako ndeyemanga-manga, Uchaishuwira mukore unotevera, Continue Reading →
Mwanangu Chiramwiwa Endawo kumagaka Tizope vaNyamande Vane meso machena Anenge engururu Ngururu dzachijaka Dzinongojakaira Nenyika dzose dzose