Kukura hakutani

Kukura hakutani, kamwana kanezuro uno?
Kataituma mvura kachiita zvokumhanya,
Mukombe vosara vosvika chave chikamu,
Ndiko kupindana kwamazuva takarivara,
Nhasi zvino rasimba, pasadza chave chigayo,
Kumutuma yangove tana, ongozunguza musoro.

Yowe-e, zvaichanaya inopisa!
Kushinga kubuda panze nezvauri izvi?
Kupfeka marengenya zvanzi mucheno,
Kupedzera mari pamamvemve chaivo,
Guvhudende pachena, shumo yazvo tsakata,
Iye hanya nani chidhoma chekwaChivi.

Sahwira wacho matindingoma panze apo,
Kufamba hukanyaira chipfuwa chiri pamhene,
Siketi uku ungati akasungira bhande faru,
Hapana nehembe yose, mitengo ndoti yaderera?
Chakakosha chagara chinovigiridzwa,
Chemahara ndochinoshongedzwa pese pese.

Iro jaya rako kusimira kwerudzii kwakadaro?
Kurembedza mabhurukwa, nduwe yose panze,
Kufamba hunge dhadha, mukati dzakakwana shanu?
Tarira kuengerera segondo raona zumbu,
Nharo ndimuzivazvose paita mhandara kudai,
Pane angagone chisingagoneke naGona!

Buda panze uzvionere pamhuno sefodya,
Hameno chavabvira kuti serefi, fesibhuku?
Vangaijaira here iya nhamo yatakakura nayo?
Ivo vanongogutswa nguva shoma senzara,
Ungori mudyandigere, chimenyeramukanwa,
Pwere dzanhasi kuda zvakapfava sehonye!

Mutsetse

Dzidza kumira mumutsetse zvakanaka,
Ngaururame urege kunzvenganzvenga,
Iwe vanonoka enda uko kumashure,
Dai waida kumira nasahwira wamukira,
Nhasi uchawa wekupedzisira kubatsirwa.

Ndaizivei kuti ndiri kudzidza hupenyu,
Mutsetse, chaicho chidzidzo chamandiriri,
Kupfuura svomho naidzo nyaudzosingwi,
Nhasi ndivo magariro muneyechisikirwa,
Kari kai zvako, kutomira mumutsetse!

Vekutsvaga mari mubhangi vakaroyiwa,
Kutorara uripo kuti umukire mberi,
Svondo rose, ikwane yekubhadhara imba,
Waita rombo rakanaka unowana mashereni,
Hamuchina mubhangi yave mumasutukezi.

Wekuzvitupa mutsetse ndivo une nharo,
Hauzivikanwi kwaunotangira nekuperera,
Ringori gonyo kupera hapana pakarurama,
Munonyengana mukadanana imo mumutsetse,
Monetsana nekurambana musati maona mberi.

Tasikirwa moto muziso,
Muchoto toisirwa nyoro dzinotosvora,
Pedze voti tisarudzei tiise dzinobaka rimi,
Mangwana chaiye zvose izvi zvinochinja,
Mutsetse ukava chiitiko chanezuro.

Kusiri kufa ndekupi

Ndiye muwakidzani wandinofungira,
Kuti akaba mbudzi yangu iya chena,
Pandakaishaya akabika zvinonhuhwira,
Kwaturai chaizvo musadzore tsvimbo,
Kusvika asiya nyemba, kufuga rake ega.

Ngatibvute yavo minda minyoro,
Iyo yakapfuma inovapa raramo,
Kana ichinge yaruma vachadzoka zvavo,
Tovapa riya basa remumba yekubikira,
Vachipona nokudya mafufu segonzo.

Bata muroyi wapedza nhiyo dzavahosi,
Kwake kumusha kunozivikanwa nengozi,
Musanyengerera makudo neanokamhina,
Sasikei pamoto pashaye donwe reropa,
Dakara wake mweya wasiyana nenyama.

Munhu mutema, ane ganda gobvu,
Ngaashande; anetsa orohwa gwati,
Riya ganyamuto chidzipura nenyama,
Rake zororo richauya mangwana,
Paachaenda kwamupfigwanebwe.

Tatora minda yedu yechisikirwa,
Zvomopanana paushamwari hwenyu,
Pachenyu, mai nhiya vozvionera,
Vaivepi pamairwa nevapambepfumi,
Muchiora tsoka nemanyeketera.

Tora iyoyo mombe yamashanga,
Muidzidzise chirungu kuverenga,
Bedzi pakati muka, shanda, mhanya,
Mubate kumeso arambe akakotsira,
Akazungaira, ngaabate chakati tende.

Inhamo yemudzanga kurumwa nekutsva,
Huyanga, hazvina hama kana mutorwa,
Chivendekete onongedza chimedure,
Uyu ane udyire, uyo ane hudzvanyiriri,
Ndizvo ndizvo, kusiri kufa ndekupi!

Nyika Dzimu

Yedu nyika inotongwa neVadzimu,
Pamwe neMhondoro dzinosvikirwa,
Dzinotaura ndimi nevari kumhepo,
Dzoturikira kunaMambo mutongigava,
Nehofori dzemakurukota obatsirwa,
Kutungamira ruzhinji pasina saruro.

Masango otipa zvinogutsa dzinza rose,
Miti yemichero nematombo emapfumo,
Howa, huchi, mashonja netsambarafuta,
Ivhu rotipa majuru, ishwa, humbwe nehari,
Mushiri nemhuka dzesango tovana nyama,
Kugachidzana nezvepamusha zvipfuyo.

Gumiguru kungoti vhu-u toita masoso,
Mutambo wekukwezva mvura kunaya,
Tovabikira doro Vadzimu kuombera,
Dundu rose romera manyemwe emhuru,
Siku nesikati todzana, kudya nekunwa,
Nyadenga azvimbirwa’bva orutsa mvura.

Zviri mugwara, inga zvose zvakati tasa,
Zvirango zvoitwa pasina kupaparika,
Vabiki vemandiriri vane magate anonatsa doro,
Vabati venyama vakatendeka vasina neudyire,
Yasasikwa yanuna, zvidhakwa zvodonha rute,
Iro gotora reSvikiro rorega kurasa muswe.

Yaramba kunaya ndiNyadenga aridza tsamwa,
Sabhuku kutomuka pahunotsvuka hutonga,
Ogumbatira nhekwe yefodya kunanga kwaMambo,
Kungoti korokoto, voperekedzana kwaMusikavanhu,
Kunopira zvichemo nekusvitsa maoko kumusoro,
Pakudzoka hairegi kunaya yematsanza.

Chave chamupidigori, misodzi iya rave ziya,
Kusunga dzisimbe torima zvine pundutso,
Maricho adzo mbesa dzemhando nemhando,
Ave maguta zvino tokaka dumbu sengoma,
Todandaura mbira nehwamanda kupa kutenda,
Kupembedza Vadzimu vatinoda samare.

Ndafunga mbire

Ndagarisa muno musango ndaneta,
Kwemakore kuvhima pasina chimuko,
Kubatwa huyanga semombe yemashanga,
Iyo nhava maburi yaramba kuzara,
Ngoroyemoto kushaya kana tsaru zvavo?

Bata homwe unowirwa nechadzimira,
Vanokutorera pamhene pano pamusika,
Gurumwandira zvinotengeswa jahwi,
Kana wembanje vodaidzira madiro,
Rozara bhazi kunanga Kumakomoyo!

Rwendo ndokungurutsa nendangariro,
Ndinongoyeuka bedzi kusimuka kwebhazi,
Asiri andibata bendekete ndatopfuudzwa,
Kuti nyamu ndiburuke, hana kurova nhai,
Ndonzwa chando kudedera serutsanga.

Ndinowana dzakadii hama kumusha,
Makore ose aya kuti vachandirangarira,
Richava nyunyuto here kana rufaro,
Zvave zvekutorovera moyo padombo,
Aniwa haachatyi kufamba mudova.

Babanguwe-e! Ndiwe here mwanangu,
Tarira misodzi yangu mokoto nerufaro,
Maziso hachanyatsooni, wakadii zvako,
Aparwa aparwazve zvichishaya shumo,
Swedera padyo, kana idzo nzeve dzovhara.

Ndafara mambo vangu, chikuru kuonana,
Ndawana pokurevera nhuna dzangu dzose,
Rega ndizokuratidza parere baba vako,
Ivo mabvi kusimuka ave makakatanwa,
Nyama dzaora, tangove hari dzofanzirofa.