N’anga Chivanhu
Hama kaha, kukushamira semutombo! Vanoziva wakapedza makore mashanu, Uchiverenga kuchikoro chevazungu, Kudzoka wakapfeka ngovani yefundo, Wadadisa, wokushewedza kuti chiremba! Ko-o, ini n’anga yedzinza…
Hama kaha, kukushamira semutombo! Vanoziva wakapedza makore mashanu, Uchiverenga kuchikoro chevazungu, Kudzoka wakapfeka ngovani yefundo, Wadadisa, wokushewedza kuti chiremba! Ko-o, ini n’anga yedzinza…
Misha ndokutapidzwa takatarira, Kudzingwa se’mbwa muyedu minyoro, Yemumatoro, kukandwa kumawere, Kwachatikobo, kwataigara nezvikara, Kutongorarama nekukwarakwara, Kudya maroro, hute, netsubvu, Kuteya mbeva, mbira neshindi,…
Chenjera kunyengwa nerovha mukunda (Aah he-e, aah he-e) Irombe (Aah he-e, iherere, aah here) Iherere (Chengeta chikwama chababa chine madhora) Zirume rinoputa fodya…
Kwedu tinouti muteerera, Ndichoka chinonzi chivabvu, Chanaiva naiwo mubvumbi, Chinodyiva chete kana radoka, Kunyadza vanoruta vavakidzani, Vasvikira vaenzi’bva vodzinga, Se’mbwa, “Iwe ibva apa…
Chakatirova zvino takayeverwa, Nyamba takachinzwa chichiuya, Mwedzi mitatu, mina yapfuura, Chipembwe chashura matongo! Vamwe tichirarama nhereka, Vanhu ndevasingagari pasi, Kupembera tichipura nemusana, Tichiti…
Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) Wogotengera chari mukaranga, ko-o iniwo (Chari mukaranga) …
Nhandi vanditsika muswe wangu, Zvino ndatodza kutsika remberi, Vachenjeri vane muti mukanwa, Vagara vanotsenga mushonga, Vanoshopera dima mberi kwangu, Zvemunzira dzavo zvigutsa havaoni,…
Waramba mbanda kubva haurapiki, Chirega tigokuyambira mwachewe, Kugarika hakuzvikoki seurombo, Kutomira-mira, kusunga dzisimbe, Mhuka yeshure inyama yeshumba. Imwe nhamo inokupa chimene, Chezizi, parafamba…
Muka, muka, muka kwayedza Zuva rabuda, Machongwe arira, Muka, muka, muka upenye Farira kufamba kwenguva
Yakatanga iri hurukuro zvayo padare, Vasharukwa vechondinyengedza, Chiroora mwanawe, ndiwo musimboti, Ini ndokunozvitsvagira yangu nhenha, Yakaita zvekusikwa, kwete kuzvarwa, Ndokumhanyira nayo mumambure, Dzikakurumuka…