Mari yako chete

Ndokushanya kwatezvara kisimusi ino,
Naye vangu mukwashan’ina, sezororo guru.
Vangu mudzimai mberi, iye nevake kumashure,
Muhambautare mbishi ine zimhopo pamusana.

Yakati zi-i, chinyararire kupinda ruvanze,
Vakazonzwa nekutaura ndatomisa kare.
Vamwe vokwaziswa ini ndoita kumbundirwa,
Ndonyemwerera zvangu nechemumwoyo.

Ndichimaira ruwanze ndokuriona rino,
Jongwe guru, ndikati nhasi rinondiona.
Richatosera mundiro chete masikati ano,
Sembinga, munhu mukuru ane chaakatsika.

Vangu munun’una achidonhera muvhu,
Kuombera tezvara seachatyoka maoko.
Pedze chiriporipotyo otambidzwa demo,
Rehuni, pasina kana nekutura befu!

Ini nevaramu ndoperekedza kumba huru,
Pandinogadzikwa mumutepfetepfe, pakapfava.
Pedze semweni ndoomberwa kana naambuya,
Pasina nguva, changu kudusa mari yemukaka.

Tichipedza kuzorora kudya remasikati,
Rataseva nehuku, kubva totungamidzana,
Kudanga rembudzi kuti ndizvinongedzere,
Yandichada kuseva nayo manheru ano.

Kuti aone kuvhiya nemukomana wemombe,
Banga kubva ropihwa vangu munun’una,
Zvipikiri nemunyu zvekukakisa do-o, nemachisi,
Yekutigochera dumburiro takazorora zvedu.

One Reply to “Mari yako chete”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*