Muromo

Uchiri pamhandara, haiva!
Kubika machikichori kupera,
Kubura hwaingove huchi,
Kuita kudadamira kutsvoda,
Hoyo muviri wonyunguduka!

Zvino chi-i chatora nzvimbo?
Chapinda rukonye, rwadzika midzi,
Basa ravo zvino kuzhambatata,
Bongozozo siku nesikati,
Hauchamharwi kana nenhunzi.

Wareba muswe, watatamuka!
Wake womirira mose, iwe naye,
Uri wako wotopeta muswe,
Kuuvhura kukoka dzake hasha,
Kukonzeresa abate panoera!

Ziva nguva yekushama, zvauriwe!
Kukumbira woita chinyararire,
Kutaura nemaziso zvinoita vamwe,
Chemungozva ndechekubata mwana,
Ukasadaro hapana chembwa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*