Ndizvo zvinoita rudo

Chiiko chandirovesa hana?
Paanongoti nepadivi nzwe-e,
Kundishaisa zororo kana hope,
Zvinorema pamoyo kuzvireva,
Kune iye muridzi wenyaya.

Zvangu zvinenge zvoda kuita,
Dzvoko, kwandiri ziso apotsera,
Kubva ini ndoshaya pokuringa,
Ndikati mudenga, rutivi, pasi,
Rangu zita ndatadza kuridaira!

Zvatanga zviri zvinyoronyoro,
Muviri kuita kutsvanzvadzirwa,
Achinditsvoda nemoyo unoda,
Kundirezva, kubatwa sezai regondo,
Ndovana chose chandati kotso!

Bva pindu zvarave ganyabvu!
Chiriporipotyo zvave zvehasha,
Pese, kwave kungopfanya-pfanya,
Pfungwa dziye dzadambuka!
Woshaya kuti zvimbori payi?

Zvino ongogara akararadza,
Kumuona kuye kwave kunetsa,
Zvakatanga angori mazuva,
Svondo ndokupinduka kuve mwedzi,
Nguva hapachina, basa rawandisa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*