Ndoenda kwambuya

Zidzikana dzvuku randaona apo
(Kurwerwa rute serinodyiwa nyama)
Chembere dzekuno dzine manenji
(Kubika doro rinenge mukaka)
Zvanzi chakauya ndechakauya
(Mwana wehama ambori nei)
Hunzi yakarira ndiri pamhiri
(Kune mvana tsvuku-tsvuku dzinenge mhandara)
Vana venyu munovapeiko
(Kuganhira kunga zvikwekwenene)
Zvindori nepi vamwe vari kumakomo
(Muchiti chigondora chave chimombe)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o ndoendawo kwambuya ho-o)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o hunzi ndiko kwakazara dovi)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o ndichanoseva nenyama yehuku-wo)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o sadza ndere mhunga kana rezviyo-wo)

Mbira DzeNharira

One Reply to “Ndoenda kwambuya”

Leave a Reply to Gerry Cancel reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*