Zidzikana dzvuku randaona apo
(Kurwerwa rute serinodyiwa nyama)
Chembere dzekuno dzine manenji
(Kubika doro rinenge mukaka)
Zvanzi chakauya ndechakauya
(Mwana wehama ambori nei)
Hunzi yakarira ndiri pamhiri
(Kune mvana tsvuku-tsvuku dzinenge mhandara)
Vana venyu munovapeiko
(Kuganhira kunga zvikwekwenene)
Zvindori nepi vamwe vari kumakomo
(Muchiti chigondora chave chimombe)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o ndoendawo kwambuya ho-o)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o hunzi ndiko kwakazara dovi)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o ndichanoseva nenyama yehuku-wo)
Ndoendawo kwambuya
(Ho-o sadza ndere mhunga kana rezviyo-wo)
Mbira DzeNharira
Ichi chinoda kunzwikwa