Nehanda

Mazita jahwi moita ekusarudza,
Vazukuru vanoti gogo,
Vavakidzani vakati mbuya ngana,
Kwatiri vana muri gamba,
Rakashanda siku nesikati,
Kutadza kurarama hwaro hupenyu,
Richigadzirira hwedu hwanhasi,
Ndosaka tichikutii Nehanda.

Zvakatangira pasi kwaSanhanga,
Raiva gore rendongwe,
Kusina chekubata mumunda,
Tsvarakadenga Nehanda vhu,
Yaingova nyaya yemazuva,
Asati adhingura moyo vaMuchaenda,
Kungoti bha rurimi kurembera,
Kutanga kwemakore muri mose.

Handinyore asi pakukutu hapaurayi,
Kutanga naivo chiremba Idzo,
Ndokutevera ega musikana Pati,
Kwozouya uyu murefu Tindo,
Murapi Mutsa ari mumashure,
Mirai pamutsvuku makambofunga,
Asi makazosiya Fatso achisvika,
Naiye Jo muvhari wegonhi.

Izvozvi makore averengana,
Shamwari Muchaenda yatungamira,
Vana vapararira nenyika dzose,
Nguva zhinji muri mega pamusha,
Inzwi revazukuru morinzwira murunhare,
Ndicho chimanjemanje chakati kuuya,
Asi igaroziva muri chido chemoyo,
Tinokudai zvakapetwa kanomwe!

Muchaenda

Muchaenda
Budzi raMupengazvese naMakada
Gamba, mukono vakamwa mukaka ukaguta
Vakabva Mbire kusingasvikwi nevehana nhete
VanaBarambabvu vachiuya kuno kuChinyamakungu
Vavhimi venjere vanoridza ngoma nemidzonga yenyama
Ndiye muera’mbwa, Mukonaanhu, n’anga yeGuhune
yaiwaridza bonde pamusoro paMhuriyadziya
Dziya rakadzama rine goko guru, Garwe
Zororai murugare vaMunyebvu
Vene veumambo