Vhara gonhi (Covid-19)

Chakatirova zvino takayeverwa,
Nyamba takachinzwa chichiuya,
Mwedzi mitatu, mina yapfuura,
Chipembwe chashura matongo!
Vamwe tichirarama nhereka,
Vanhu ndevasingagari pasi,
Kupembera tichipura nemusana,
Tichiti agara mashura eikweyo,
Chichatanga vemhiri takatukirira,
Ndeeko mashiripiti emabvazuva,
Chovharisa dzinemukurumbira,
Mhene dzinozvirova matundundu,
Madhorodha nenyikamukanza,
Mabasa naizvo zvitoro zvikuru,
Chakabaka, icho chisingaonekwi!
Bva pedu papera, takainonokera,
Ini ndatowe nedzimwe pfungwa,
Zvimwe zvagara hazvidi chitsaga,
Zvochodongorera rwangu ruwanze,
Chasvika hachiridzi mheterwa,
Musiki anobatsira anozvibatsira,
Rangu gonhi neruzhowa ndavhara,
Handichabviri kubatika semuramba,
Chikwangwani panzira ndadzimika,
Chinodaidzira kuti, “Pano takatama!”
Chinotapudzanwa nekupfira-pfira,
Chirega kubata kumeso segudo,
Chingapinda muziso nemumhuno,
Ukazvitangira chakati tende!
Wozarirwa pachinokubata huro,
Kuchipatara unoenda pachako!
Iko kusina nemvura yekunwa,
Ugopunyaira nekuswera wega,
Hatibvumidzwi kukuvhakachira,
Hachirapike kana nemakwenzi,
Uchideketera mudzimu ndiringe,
Dakara ropa rotanga kugwamba,
Zviuya zvose zvogumira munzira,
Misikanzwa ichakonzeresa ruzha,
Kutishusha nekusvimha misodzi,
Majaira kushevedzwa roburwa,
Kuraivo kani, musatsike madziro,
Pfiga musasa, idzihwamupengo!

2 Replies to “Vhara gonhi (Covid-19)”

Leave a Reply to Nyasha Cancel reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*