Wakamudirei

Pamwe wakachiva meso anoenda-enda,
Kupenya semheni, sekureva kwavakuru!
Zvimwe wakamudira zvake zvivakashure,
Zvisingadi mbereko kana obhabhura mwana.
Pamwe dzake njere ndodzavakapembedza,
Vazhinji, misoro yavo yaive izere mvura.
Kuda wakafarira chipfuva chakabatana,
Pachaizvishongedza, kana chapaza nguo.
Pada wake moyo ndiwo wakakutora moyo,
Kakuzvityora kake ndokukunyungudusa.
Kuti muviri wake here wakaita kuumbwa,
Kufamba kwake huita seanotsika mhepo?
Vakakoshesa hurefu, kana ndoro chena,
Ganda rake shava rinobvumwa nemvura?
Kana kuti isimba pabasa raanonzi anaro,
Nerunyerekupe wakanzwa ndichigwindiri.
Zvino inzwi rake here rakatetepera,
Nekutsetseka zviya zvekunwisa mvura?
Dzingave tsika dzaakapihwa nevabereki,
Kukudziisira mvura nekugwadamira sadza?
Manje kana asina zvese izvi,
Wakamudirei?

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*