Ziva zvakakosha

Yavo miromo haidonhi muvhu,
Vakatirevera isu vasharukwa,
Chaiveko chakadai chipembwe,
Chidyavanhu, shuramatongo,
Mapakatsine, ndiyo dusvura,
Kare-kare kwazvo, kure-kure!
Handipano, gochaimatehwe,
Zana remakore apfuura, 1918,
Hapana anoziva pachakabudira,
Kusvikira parufu semwana wemusango,
Mheno, chakabhururuka chikamhara,
Chemhiri chisairapika, takaedza,
Mashizha enhungumira, zvikaramba,
Tikaviga vakobvu zvese nevatete,
Shoroma dzisaibvira nevarombo,
Chembere dzabvazera nendumure,
Chichirova tsuro negwenzi rayo!
Kufa kwemumwe mambakwedza,
Kutanga nababa mubvuri wemba,
Yose mhuri yaenda parinonyura,
Chakavharisa zvikoro nemabasa,
Zvivakwa zvose zvikaita zvipatara,
Basa remunhu vese ndokupinduka,
Kuve mudzidzisi nemurapi vemhuri,
Rudo nevavakidzani ndokupfachukira,
Kutora nguva nevavo vadikani,
Kutondera zvakakosha muupenyu,
Nekusiya zvagara zvisina shumo,
Zvatinoswerodzingirira misi yose,
Pembedzai raramo yamunayo,
Zvenyika zvinosara shure maenda,
Chimutsai hama neshamwari!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*