Munyori

Rapachitupa ndinonzi Tendayi Munyebvu asi ramadunhurirwa ndinoitwa Nyobvo.

Vazhinji tinoyeuka bako taniva. Kuneni, kuvhakacha kune dzimwe nyika nekudzidza mitauro yevamwe ndiko kwakaita kuti ndive neruremekedzo rukuru kune rurimi rwamai. Ndinoshuwa kuti idzi nhetembo dzichabatsira nepadiki kuchengetedza chiShona chedu.  Yatsika yanwa!

Chasara bedzi kuvimba kuti muchanakidzwa neidzi nhetembo semanakidzirwe andiri kuita kudzinyora. Ngatitandare!