Kuyanana nekurambana

Kuroorana vaviri,
Vane pfungwa dzakazvimirira,
Zvasiyana zvido nezvivavariro,
Zviuya hazvivanani!

Kana zvizhinji zvikavirirana,
Kubva ndiko kugarisana hukama,
Kuchembedzana kusvika kukwegura,
Pamwepo moona vazukuru vachikura.

Hazvirevi kufanana kwepfungwa,
Asi kuremekedzana mafungiro,
Kupanana nguva yekufema,
Nekuregererana zvisina maturo.

Mumwe oita mai, mumwe baba,
Kubvumidzana kuve zvamuri,
Uyu mushandi uyo wotamba nepwere,
Poita muchengeti nemurangi vevana!

Hongu zvasiyana nechinyakare,
Apo barika raive redzinza,
Dzimba dzichitongwa nehama,
Mopumhwa huroyi nehunyope.

Zvino chave chimanjemanje,
Vaviri vaviri, wetatu muzvinaguhwa,
Watsvaga zano ita une rako,
Usati waenda kuna taisireva!

Miti kana yamera pamwepo,
Hairegi kukwizana kana kune mhepo,
Chivanhu, ndizvo zvinoita rudo,
Vadani ndivo vakani!

Zvarambisisa kubva moparadzana,
Murunyararo, uyu kwake mumwe kwake,
Zvakaenzanirana upfumi mopatsanura,
Pane vana morega kuvengana.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*