Sunungura pfungwa

Unoona zvinoita hudzvanyiriri,
Hunokuvhiringidza pfungwa,
Kusvikira wozvitarisira pasipasi,
Sechinhu chisina kana maturo.

Vakauya tinayo minda mikuru,
Iwo vanaro bhaibheri mumaoko,
Vakati vharai maziso tinamate,
Isu ndokutsinzinya zvekukotsira.

Takazosvinura paye mbaimbai,
Tave naro bhaibheri muchanza,
Minda mirefu zvino yave yavo,
Isu torima paruware nembezo.

Zhundu kana ragara mudanga,
Zvanzi chero neni ndawa mombe,
Kuzungaira kutadza kuremekedza,
Tsiye nyoro dzevaridzi vemusha.

Kana rawana rinosimudza musoro,
Kuitwa waranda mune yechisikirwa,
Zvichinzi zororo riri kudenga mafa,
Kugarika kwenda kudya mutakuri.

Mukanwa makaumburuka chidembo,
Jahwi marevo mavi kushoropodzwa,
Mutauro nenguo zvisina chiremera,
Mugariro netsika dzagochai matehwe.

Kubva chinotanga mberi mashura,
Dundundu rizere hasha topupuma furo,
Shiri yamharisa inokwezva dombo,
Ndokubvuta nyika neminda zvenharo.

Tasungwa pfungwa mbira dzakondo,
Hongu kwemakumi ezvuru zvemakore,
Ndaona tachinga maitiro nekafambiro,
Asi hazvisi nyore kuchinja mafungiro.

Chiregaika kuvhotera idzo mbavha,
Sarudzai vane pfungwa dzinodhonza,
Vachatemwa tsinga dzinobuda ropa,
Vanoziva kuremekedza zvido zvenyu.

Idi kugarika hakuna mudimbudzirwa,
Tanga nemakata mutenure wotevera,
Simudza musoro uverengwe mwachewe,
Chinga mafungiro, sunungura pfungwa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*