Kumusha ndiko kumba

Ndaneta kumhanyamhanya,
Pfungwa dzave rushinga,
Hana yaramba kugadzikana,
Ndotswara hundi moyo kumakoto,
Kamukwende taku, simu, tande,
Kuchizororo kunopumhura!

Hazvina kumira zvakanaka,
Iyo yakwavarara yatya,
Ini ndinofa ndagurukuta,
Ndonanga kumusha kunobumhudza,
Takatandavara serunyemba,
Tichibikira vadzimu chekunwa.

Toenda kunofurwa nemhepo,
Tigere mumubvuri wemuuyu,
Kukoka simba ramangwana,
Rufuramhembwe toti nyamu,
Nembwa yangu kunovhima,
Kugura masango anorura.

Kwandinoda kudya ndashuwira,
Nyevhe nedovi,
Gogoya nembambaira,
Maribova nenzarayapera,
Nzimbe ne’pwa,
Nzungu nemagaka!

Tovhaira kutaura kwaabaya,
Kwedu chiropa hachiseveswi sadza,
Tasvikira chinyoro chibage,
Chakabikwa pamwe chakagochwa,
Kana mhandire ine manakire ayo,
Kunesu tine meno edu zvedu!

Hama hadziperi kuvhakachira,
Gaswa rozadzikiswa nekudya,
Patinoswera takadekara,
Tichikurukura dzechinyakare,
Paya tichayaruka pasi chigare,
Tichiseka nhamo kunga rugare!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*