Manditeya

Chii zvino chamavavarira?
Kunditarisa nebandi reziso,
Ndazviona kare makanditeya,
Yakakura seyi yandakapara?
Kusunga rundaza pandinofamba,
Muchimirira kuona pandinova,
Mugozoti hezvo zvataireva,
Pandaiti tiri kutamba nhabvu,
Nyamba muri shishi kukava’vhu,
Kunditosvora ndishaye chiedza,
Ndamirira shamhu ine munyu,
Kutaura kuno itori pamushana,
Kubva zivai kuti kuva kwangu?
Hazvirevi kusimukira kwenyu,
Kufara kwegudo panofa murindi,
Rakoshiwa ndiye zvakare murimi!
Kupembedza n’anga ichabata mai.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*