Mwedzi

Tarira munda wati ndoo,
Kusviba nadzo idzo Ndira,
Kupera kweZhizha asika,
Famba nendima kusakura.

Kukadzi uno matura azeyama,
Rave dzikitsiki kunyima sechapungu,
Hanzi patabika tatyora mugoti,
Muenzi haapedzi dura weduwe.

Mbesa dzononoka ndiKurume,
Panoda moyo nzira haisviki chimbi,
Varume michero yaibva musango,
Kumba kusvika kungomwira mvura.

NdiKubvumbi hayiari zvekumhanya,
Kwakati kwidiba, ichipfirapfira zuva rese,
Haungatadzi kubuda mumba muna vashe,
Imhute chete iyi hapana mabhanan’ana.

Mwakwa wekunaya kupera kwawo,
Matara netsapi zvofemera pamusoro,
Ibasa muminda kukohwa zviyo nechibage,
Umore Chivabvu chekugocha mauro.

Chikumi mugariro wacho,
Basa raderera zvirimwa zvave mumatura,
Asi chando chogwagwadza siku nesikati,
Chegore rino chakwidza hamba mumuti.

NdiChikunguru chaiye watajaira,
Nyika yose yaita ruvara rutsvuku,
Kufanana nadzo nhunguru dzati chakata,
Tichipura mhunga, zviyo nemapfunde.

Nyamavhuvhu uye atitosvora zvino,
Naro dutu ruwanzamatare rinorira,
Vana mudyahandikore vachipupurutswa,
Zora mafuta urege kuparuka ganda.

Ose matambo mwedzi uno,
Takadekara kudai munaGunyana,
Tichidya zveziya regore rese,
Kana idzo shiri dzoita manyana.

Gumiguru mwedzi mukuru,
Vekugadzirira kurima chirimo chopera,
Sunga ngoro tiise mifudze mumunda,
Kupisa uku kukwezva mvura yenhuruka.

Mbudzi dzaita zamu, regai dziwe nyenye,
Dzingai mumunda dziende mumakura,
Kutiza mukumbo unoita ngomwa,
Ambuya havaomberwi dzichibereka.

Zvita ndiye wekutenda nyadenga,
Gore rapera kisimusi yatosvika,
Chibata mbudzi tidye ano maenza,
Tipembere navo vabva nyikadzino!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*