Zvibate

Nhandi vanditsika muswe wangu,
Zvino ndatodza kutsika remberi,
Vachenjeri vane muti mukanwa,
Vagara vanotsenga mushonga,
Vanoshopera dima mberi kwangu,
Zvemunzira dzavo zvigutsa havaoni,
Kunetsana nemhopo parangu dama,
Avo magadziko achiora nemhezi,
Ndimi zvenyu makaita kuvakwa,
Marombe takangozvarwa kakadaro,
Kusaziva paye pamunondinyemudza,
Isvosvamoyo inotapudza shungu,
Muchenjere kunyima neakaguta,
Kundigera, muchindisevesa sadza,
Muri kutondipa mbiri ichatapudzika!
Ndofondoka, kundichochora simba,
Nyamba muri kundidzidzisa basa,
Manje tozivana nekapadza keserima,
Musaenzanisa nguvo nedzatarubva,
Munongoziva chega chamunoona,
Kondo zvake asina nechekupakata,
Durununu rakati tsva-a setsubvu,
Hamuzive zviuya zviri mupfungwa!
Nhureture dzichauya hamuna zano,
Kudheerera, kupindwa muhomwe,
Kuponderwa mutsaga senzungu,
Sezvo vanoziva kuti handina bere,
Dzatatamuka kusvika kumagumo,
Hamheno zvavo dzikadambuka,
Ndatsama ini ndinoshereketa,
Mozokunguru sekuru vakaenda,
Muchanyara mongoboira-boira,
Saforomani adzipwa nedhumbe!
Jana rangu rekubatwa nesetswa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*