Joni

Zvosara zvoga zvidziro zvosara,
Misoro yemba yoyambuka,
Dzosara dzoga pwere dzosara,
Bango remba royambuka,
Nyika yangowe chembere neharahwa,
Majaha nemhandara parwendo,
Yatora moyo yasimudza mureza Joni,
Joni tsoka dzose dzonanga.

Kure Joni, Joni hapasi pano,
Vanganiko vaida kusvika vakasasvika,
Dzaivapo shungu dzakatsakatika,
Itsaona mumigwagwa makuva aya,
Limpopo averedza mavhu nemarara,
Vazhinji vakagumira mumatumbu memakarwe,
Kruger izere mapfupa dzakadya shumba,
Kure Joni, Joni hapasi pano.

Hanganwa paJoni hanganwa,
Kuenda vachiti vanodzoka tatokanganwa,
Kunoshava hezvino vatokanganwa,
Tongonzwa serunyemba vatandavara,
Chezuro nehope vakanganwa,
Zvovafambira serunyemba vatandavara,
Chakatuma chikati enda vakanganwa,
Manhanga kutapira voimba vatandavara,
Hanganwa paJoni hanganwa.

Hazvisi zvose zvinopenya zvinova goridhe,
Mukutsvaka mari tsika dzoparara,
Musango Joni unhu hwawe marengenya,
Mukutsvaka mari vamwe dzawe shumba,
Musango Joni maoko atsvuka ropa,
Mukutsvaka ndaramo Joni vauraya,
Pamoyo Joni tangowe maronda,
Hazvisi zvese zvinopenya zvinova goridhe

naTafadzwa G Madhina

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*