Roora rechimanjemanje

Gwaro renyu madzibaba ndariona,
Handikutema kwekubatanidza ukama,
Mamiriro ezvinhu tese tinoaziva,
Ndozviwanepi, chingwa netsvigiri?
Pazvinwiwa tichatoronda nhimbe.

Vakarabwa mune idi here shuwa?
Kundibhadharisa makandinzwanani?
Musadaro, inga muri vanyarikani,
Wenyu munomutarisira kutya kani?
Mukunda ndiye nyakundipfimba!

Kupfunya chisero, tsika dzenhema,
Ndakamuona achitamba kongonya,
Muzavazi mumamana matigere,
Nyangwe aikutekenyai ndebvu,
Hazvichabviri kurova gusvi.

Mwanasikana ndimapfumise!
Asika nongaivoka zvine mwero,
Chisiyanai nezviripwaripwa!
Hazvichadi pwanyaruzhohwa,
Ndakamuziva awa nengura.

Tasvika pano tichiti tichabuda,
Zvomoda tivake seri kwedanga,
Kukuvharirai mhumhi nemapere,
Ndinizve ndokurimirai gombo,
Chuma chandabvisa chishoma?

Kuumbwa akaumbwa zvake semusuva,
Hatishori, asi tarirai maziso kutsvuka,
Zvakumanakumana neufende hwenguruve,
Zvakare akafura vadzidzisi nerekeni,
Imbeu inosimwa kumucheto kwemunda!

Zvinenge zvave neudyire vadikani!
Rusambo rudzii, inzwai kuchema,
Yechimanda ndeyei asina pamiviri!
Tarakita ndiro rave danga rinotsika?
Bva chengetai, todzoka tavana pfuma!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*