Tsamba kumudiwa

Ndagara pano kwenguva refu,
Asi chandabata woye hapana,
Pfungwa dziri kurekure kwazvo,
Nekufunga iwe neni mudiwa.

Ndoronga mari yekufambisa,
Ndiuye nditore chidochemoyo,
Kana wako baba vakati danga,
Kubva wotiza zvako neni mukumbo.

Simba ndinaro newe unozviziva,
Kana tichinge tati shandeshande,
Tozodzoka naro jazi ravatezvara,
Nayo mombe inotsika yehumai.

Kana ndinewe zenze kupupira,
Chinouya ngachiuye chione ini,
Bata urwu ruoko rwekuruboshwe,
Ndivhike nekuvhura nzira nerudyi.

Anokushusha iye zvivindi zveyi,
Isimba kaviri pandinosvikako,
Muudze atambe nezvimwe,
Arege kufira mafufu segonzo.

Zvichabuda semafungire ako,
Nyadenga otipa vana vatatu,
Mhandara mbiri zvivhindikiti,
Nemuchengeti werangu zita.

Gara nepadivi apa ma’mwana,
Ruzambirambira tigote zuva,
Zvakanzi vani musha mukadzi,
Tabva zera tichichembedzana.

Chirega ndimire kurota mudiwa,
Foromani wodana basa ringapera,
Ivo mapeni ebhazi asati aringana,
Zvikaita manyama amire nerongo.

2 Replies to “Tsamba kumudiwa”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*