Kufa kwakauya

Ngatifare wangu mudikani!
Uhu hupenyu idivakamwe,
Sununguka zvino pachine nguva,
Pasipanodya, kufa kwakauya!

Vana vanoti unoshusha,
Vamwene vakati unonyima,
Dzako hama dzoti unonetsa,
Vavakidzani voti unorema.

Kwandiri uri svinga repwa,
Panopano zhii, ndombotura,
Gwadu, chidimbu ndombomenya,
Tende paruware, ndosvisvina!

Hapana angawana zvose,
Tsvarakadenga zvanzi inoroya,
Murume akanaka asiri wako,
Ari wako akanaka akarara.

Ngatipembere chido chemwoyo,
Hazvibatsiri kutambura uchafema,
Vozopakwa zvinonaka vorwara,
Panhovo, pedze susu ropanduka!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*