Asi chii nhai

Vanhu imi heyi,
Kumira kuti hoo,
Shandaika chimbi,
Zvibva zvati gedye,
Kuchakati ndoo.

Manje rodziya kwii,
Nemi mati rabada,
Maheu itai dzvutu,
Musati mati tasa,
Mozoti neni nanga.

Ita rinyatsoti bheu,
Mushe vati pindikiti,
Zvarakati manimani,
Mumwe akati pudzu,
Rinova zhowezhowe.

Asi chii nhai,
Kubva wati zoo,
Ndavedzera tsvoti,
Nesadza murwi zhii,
Chiita moyo mbembe.

Zvino zvarati kan’an’a,
Chirega kuti pweshe,
Ibvaka wati nyamu,
Kutsime woti tande,
Mugoro ngauti tundu.

Ibva zvako wati zii,
Zvavanga wamuti bo,
Waiti haakuti pwee,
Zvino akuti kwatu,
Tsvatu waro!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*