Posted on: October 28, 2019 Posted by: admin Comments: 0

Kuzvimiririra kunoda kushinga,
Kutokwinya, kushanda nesimba,
Worega kumirira vanozvishandira,
Kana wanyimwa woridza tsamwa,
Womupomera zvese zvakashata,
Kuna mai, sekuru nehuku dzese,
Ziva paunonongedza chigumwe,
Zvitatu zvakanongedza kunewe,
Rushambwa harubvi nemvura,
Negosoro kana nekupopota,
Nekurwunemera kune vamwe,
Paunoti hutsinye, zvitarise,
Ko-o, ako mabasa akarurama?
Zvanzi nhingi anonditaura,
Zvausinganeti kuropodza vamwe?
Pindu, pano pane tsvina,
Kumba kwababa vako kuri nani?
Pedze, he-e uyu unonyima,
Zviri nyore kugova chisi chako,
Cheziya rako chinoremekedzwa,
Vhara bako kana wosunga dzisimbe,
Umire kugaronongedza vamwe.

Leave a Comment