Kufambira dhongi rakaora

Zvikanzi garai makageza Sekuru,
Tichapfuura tichikutorai rungwanani,
Hapana chinofamba kana musipo!
Ndokufumomuka rubvunzavaeni,
Nyamba kugariswa guyo sembwa.
Kutanga ndichaverengera, kusvika,
Ndaridza runhare kuti, ‘ko wadini?’
Chinguri ndaedza pasina anodaira,
Ndikati, pada paita tsaona, regai,
Ndikande nhanho pachine nguva.
Kugura matunhu iro richibanda,
Kundisiya mwiri vose wati rukutu!
Chishuwo chemwoyo chiri chokuti,
Ndisvikire mutambo uchapisa moto.
Ndaizivei ini zambiringwa munyemba,
Pachavo vozevezera nekukwenyana.
Zvino ndaoma miromo ndiri padivi,
Ndikati zvimwe ndiri kutyira kure,
Ndagarwa dare pandati ndibvunze,
Nesetswa, zvanzi, ‘vakokwa naani?’
Pandinoti ndipindure mubvunzo,
Zvanzi nyarara kana isu tichitaura.
Vakoshiwa Vazukuru, vatokwidza izwi,
Vakoriva, vondivhara mbaramatunya!
Vazhinji vachipembera nekukuzira, ini,
Ndokotsa muromo ndingaremadzwa,
Ndikaita nhau mumamana matigere.
Ndabvuma, ndafambira dhongi rakaora,
Ini kamukwende kangu nyamu,
Iro bundu randigara machipfuva,
Risati randitadzisa kufema zvachose.

One Reply to “Kufambira dhongi rakaora”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*