Pashaya chimuko

Zuva rabuda,
Rodziya, rachekanyika,
Ziya romimina pahuma,
Pashaya makore anotonhodza nyika,
Ngoma ndiyo ndiyo,
Vaitonga vachiri kutonga,
Zvinotongwa hazvina mhoswa,
Chero vachiri kutonga,
Simba richiri ravo,
Ane chake ane manyawi,
Mutambo ndiwo ndiwo,
Zuva idzva rataikarira,
Dzokono rabvongonyodzwa,
Shure kweaya mavhoti,
Akabuda pakati pehusiku se’shwa,
Mucherima pasina anoona,
Zvichipereka aya masikati,
Ruzhinji rwajamuka kuti kwete,
Yangu miriro yabirirwa,
Handizvo zvandaita mubhokisi,
Mandaiwe ndega ndichinyora,
Marima nechisi vatungamiri,
Ivo zvinyoronyoro votsanangura,
Vachipfipfinyika zvavo kuseka,
Zvinoti ruzhinji kuvhota,
Zvozoti vatongi kudaidzira,
Kungoti zvinotevedzana,
Asi zvinhu zviviri zvakasiyana,
Regai kuti pedzera nguva,
Yekunokotsira zvedu muparamende,
Masoja achakugadzirisai,
Mudzoke kwenyu kubako,
Tichakushevedzai kana tokudai,
Makore mashanu anotevera,
Tokushandisai zvakare nhando!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*