Mwedzi wagara (2)

Mwedzi wagara
Wagara kuna dendere
Dendere china mavara
Mavara anenge edzetse
Edzetse rakwira muzinda
Mumuzinda kunoteya tsuro
Teya tsuro nemubata mutsva
Mubata mutsva wemajekechera
Jekechera kiyi dzavarungu
Dzavarungu dzakapera kutsva
Kupera kutsva nechibunguzungu
Bunguzungu pana Taverengwa
Taverengwa mhiri kwavangezi
Kwavangezi kune banga jena
Banga jena nemukadzi waro

Mukadzi waro ndiani
Mukadzi waro ndiDhezi
Hamumupereki
Kuna mai wake
Kunodyiva tsamvu
Nemarugutegu

Tododo nyimo dzapera
Dzapera nemakunguo
Kondo waira
Hu-u!
Oringa vana
Hu-u!
Vana vasi waro
Hu-u!
Chamutungagaga mawaiwai
Huku ine mongo muchipako
Kwiyo!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*