Kubudirira kuronga

Mati ihurudza nekuti ane mombe,
Dzaakasiirwa nababa vakaenda,
Ini zvangu ndaramba kuti kwete,
Ane mombe nekuti ihurudza!

Haangochemichemi nguva dzese,
Nyatenga aramba kurutsa mvura,
Chero mbesa dzake dzosvava nezuva,
Sekuti chemukuru anopa omene.

Hove dzinokwira dzine muronga,
Pamunorasa muswe muchirimo,
Hurudza inotsva nezuva kugadzirira,
Kuisa mifudze mune wake munda.

Panozoti gumiguru kana yotinhira,
Murovakamwe nenhimuramwaka,
Nzombe dzake dzafuta nemafuro,
Magejo nembeu zvose zvaringana.

Imi nyope motanga kupaparika,
Nekubwereketa mavi asina maturo,
Kupi kwadzakakorera pamarekete,
Muromo usingamharwi nenhunzi!

Upfumi hauzvikoki kunga urombo,
Kutokwinya nguo kusunga dzisimbe,
Chiri mumuti ndechewagona kukwira,
Zuva rabuda, kubudirira kuronga.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*