Iwe umire papi

Ndiyo nyuchi kutsunzutira,
Kufamba paruva rimwe narimwe,
Kukoromora itwo bedzi tunonaka,
Zvishoma nezvishoma kutakura,
Chitarira mavara uone kutsvinda!
Painofamba pese kuyevedza,
Kana wayo muridzo kuteerera,
Kubva mabasa ayo inhapitapi!
Bvunza avo vanoseva neuchi.

Zvino hona nhuzvi zvainota,
Haioni kunaka kwakaita nyika,
Chero pakati pebindu remaruva,
Iri mushishi kutsvaga zvakaora,
Yajaira kumhanyira kuchimbuzi,
Kumuka nhiriri, chidyavanhu,
Dusvura, kuponda vapenyu,
Yoswera nasahwira honye,
Kwachinonhuhwa chidembo,
Iyo kushata nekutarisa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*