Kwamuka basa huyai

Kwamuka basa, ko-o huyaika!
Torova huvi kuno kudunhu riri kure, svikai!
Senhiyo pamhara gondo, vose voti mwanda,
Gundamusevere, ndiani angade kusaririra pakadai?
Vamwe ndokutanga kugadzira mbuva,
Vanayo vakaunganidza mazana emari,
Vakaenda kuchikoro ndokurongedza mapepa edzidzo,
Vanagumaguma vaifunga kunokorokoza,
Hapaideedzwa anonzwa!
Munhu ega-ega nekodzero yake.

Asika gonhi rakaita diki, kuti manimani,
Mutsetse ukapinduka kuwe mhirizhonga,
Hapana akada kusarira shure,
Ruzhinji ndiye pudzu, pasi fondokoto!
Vanoenda vaingotsika nepamusoro,
Zana chete ndiro rakakwanisa kupfuura!

Hongu vakapabuda, asika akanga angove mavanga,
Marwadzo aida kuti zororei, zuva rimwe kana maviri,
Kuteerera nyama nekukoka simba ramangwana,
Makumi matatu akati hatibviri, ndokurwusimudzira chiriporipotyo,
Ndivo vakazoonekwa nekufamba kwenguva vati ribidi!
Vazvambarara nematumbu vakafuratira nzira.

Kune mamwe makumi maviri vaimhanya sevanoziva gwara,
Kukanda nhanho zvokusiya vamwe shure,
Vakati vasvika pamhararano ndokutora isiyo,
Matenga pamwe akati regai zvipwititike zvakadaro,
Ndokurasika vakadaro, kwavakaenda hakuna anoziva.

Hapana akafungidzira kuti kuchave kure-kure zvakadai,
Vemitezo inoteta vakati vadikitira,
Nyatwa mugwenga pasina kana chekutonhodza moyo,
Nzara ndokuvapinda muhomwe, vazhinji vakakoshiva kurongedza chokudya,
Yakava kukanda nekuvhika, kutemana nekudyana pachavo,
Pasi rine nhomba, ndipo pakaperera rwevamwe,
Ndokusara makumi maviri!

Vogura masango anorura, azere mhumhi nemapere!
Zvakange zvave zvekutoronga, pamwepo kufamba kwakachena,
Kumuka kuchatonhorera, rorova nhongonya vozorora mubvute,
Vorusimudzira ruzambirambira, richipota votsvaga pokupotera,
Zvikara ndokupedza vekuhwanda mumimda yenzungu,
Nevenhano pfupi, akakwanisa ndokutiza nehwake,
Ndokusara gumi!

Kwavaienda hapana aiziva asi vaifunga kwavabva ndiko kure,
Kukwira gomo hupoterera, ivo mutoro unorema vasvika,
Hapana achada kutendeuka, akanga nyimo awangarara,
Waremerwa kubva kutotura mafemo wakaringa mberi,
Teremu kwidze, tunhu ndokuti pote, mutserendende ndiye tasa, kusadharara!
Vamwe ndokuzvimba makumbo, mhoni dzikati huyai tiende,
Kubva ndopakasarira vashanu vachitumburana tsoka!

Gungwa raive rakashatirwa richifemera pamusoro,
Kuedza dziva igumbo rimwe, umwe akakambira nemaviri ndokueredzwa,
Yainyudza asika panga pasina yekutamba, kwaive kutorovera moyo padombo,
Mumwe ndiye nyakudyiva negarwe, kuponesa vatatu vakayambuka.

Zvino vati vhu-u, ndokunyatsotura befu,
Vavana mukana vekunwa, kudya nekugeza,
Asika, mumwe haana kufara nebasa raakapuhwa,
Handizvo zvaaivavarira, ndokuripira gotsi,
Mumwe rakamuremera basa, kukonja ndokupeta muswe.

Mumwe chete ndiye akati kwede, kukwana,
Akarida basa zvemhando yepamusoro-soro,
Nyemwerero pandima kusvika kunzeve,
Kurifarira basa zvemandorokwati,
Akarangarira rwendo rwaakafamba, ndokuriremekedza,
Shamwari dzakaparara, ndokurikoshesa,
Pfumvu yaakabata, ndokuribatisisa,
Hama dzakasara kumusha, ndokukomborerwa,
Vadzimu kumhepo ndokumuropafadza,
Ndokugona mushando kuita mazvikokota!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*