Ndiye wandaitsvaga

Ndiye wandaitsvaga,
Iyeyu ane ndoro chena,
Akajekererawoka pameso,
Kudadisa pane vamwe,
Iro shava, ganda remvura,
Rinopenya senyeredzi,
Anogutsikana nezvaari,
Zvevamwe ndezvevamwe,
Kutsungirira munhamo,
Kufambirana nezvatiri,
Nekupembera pamabiko,
Kuti nhasi ndezveduwo,
Anotarira zviri mberi,
Zviri shure ndezvazviri,
Ane pfungwa dzake oga,
Dzevamwe ndedze zano,
Anondizvarira mhandara,
Nehakamukaka dzemajaya,
Nama, kuramba ari pedyo,
Kugutsurira nezvandiri,
Narini narini kwemakore,
Kusiyana nezvemhiri!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *