Simbe

Ivo vekurara masikati ava!
Vachisakura vamwe nekuvhima,
Kotsi negotsi kubva ngonono,
Fukidza hari kana tswinya mhuno,
Hope dzinodhonzerana nerufu,
Tsika nditsikewo, zvinobhemerana!

Usimbe zvamunoona unorwarisa,
Zvekutofuga machira muChirimo,
Rugare runotanga nekutambudzika,
Chandagwinyira, tsinga tare-tare,
Ngoma kurira kutoramba uchirova,
Bedzi chemahara panyika mushana!

Hohodo, kuseka nhamo serugare,
Kwaendwa yave gudzamudungwe,
Pamabiko kutongovanza miromo,
Pagungano kungovedzera mibvuri,
Pakuti hapana anoteerera rovha,
Pfungwa dzaro hadzinawo basa!

Samusha vaneta nekupopota,
Chavo chituru hachigarwe nenyope,
Havadi chidziiswe nemunyama,
Zvinodhonza rombo rakashata,
Kugara tatata kwatinoshuvira tose,
Kunobva muziya ratinoerera nhasi.

Chifume todya zvedu rwatata,
Torunga gapu remapunu ejeche,
Mongoyeva, mate muchimedzera,
Muchiona zvino moti takura soro,
Kutipomera hugororo hwemakoko,
Motirongera tsono mubhodhoro!

One Reply to “Simbe”

  1. Nazvo zvichibvawo kuvareri nyobvo.Hakuna unopuchwura ari tsimbe kana pfende.Zvara zvarengwenduka.Haticharovi tichizamurira.Miromo namazwi haachareri tongoziva kupfudura twunonaka twapambarwa nadzo nzira dzimwedzo dzounyope.Tava kuyarutsa tichipaka tichida.Kuyemedza toga.Akaramba kumuka hunzi “you are grounded”kukanganwa kukudza uchipa kunobereka tsimbe.Kunobereka mhandu,mharadzi,muroyi.Kwakabereka makarirano.

    Really love your work. Thought provoking as always. Chirudzi chedu hachinyangadike nevanhu vakaita sewe.Tinotenda.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*