Posted on: September 10, 2018 Posted by: admin Comments: 0

Du du wareveyi
Ndareva chishiri chabve mari
Chabve mari chati marutenga
Marutenga wati mvurachese
Handichazviiti hai ere
Zvokupisa mwana nerupiza
Pamutanda mutanda hubori

Hubori wenyu wandiramba
Wandaidya naye mhandire
Mhandire dzangu dzemusharu
Dzandakasharusa mudura
Mudura rangu rezengeza

Nditaridze nzira yemari
Kune mombe yaMatsikidze
Inotunga yakapfugama
Kusimuka yopedza dzimwe
Ndoridza nyere dzedambi

Leave a Comment