Nyika Dzimu

Yedu nyika inotongwa neVadzimu,
Pamwe neMhondoro dzinosvikirwa,
Dzinotaura ndimi nevari kumhepo,
Dzoturikira kunaMambo mutongigava,
Nehofori dzemakurukota obatsirwa,
Kutungamira ruzhinji pasina saruro.

Masango otipa zvinogutsa dzinza rose,
Miti yemichero nematombo emapfumo,
Howa, huchi, mashonja netsambarafuta,
Ivhu rotipa majuru, ishwa, humbwe nehari,
Mushiri nemhuka dzesango tovana nyama,
Kugachidzana nezvepamusha zvipfuyo.

Gumiguru kungoti vhu-u toita masoso,
Mutambo wekukwezva mvura kunaya,
Tovabikira doro Vadzimu kuombera,
Dundu rose romera manyemwe emhuru,
Siku nesikati todzana, kudya nekunwa,
Nyadenga azvimbirwa’bva orutsa mvura.

Zviri mugwara, inga zvose zvakati tasa,
Zvirango zvoitwa pasina kupaparika,
Vabiki vemandiriri vane magate anonatsa doro,
Vabati venyama vakatendeka vasina neudyire,
Yasasikwa yanuna, zvidhakwa zvodonha rute,
Iro gotora reSvikiro rorega kurasa muswe.

Yaramba kunaya ndiNyadenga aridza tsamwa,
Sabhuku kutomuka pahunotsvuka hutonga,
Ogumbatira nhekwe yefodya kunanga kwaMambo,
Kungoti korokoto, voperekedzana kwaMusikavanhu,
Kunopira zvichemo nekusvitsa maoko kumusoro,
Pakudzoka hairegi kunaya yematsanza.

Chave chamupidigori, misodzi iya rave ziya,
Kusunga dzisimbe torima zvine pundutso,
Maricho adzo mbesa dzemhando nemhando,
Ave maguta zvino tokaka dumbu sengoma,
Todandaura mbira nehwamanda kupa kutenda,
Kupembedza Vadzimu vatinoda samare.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*