Chine manenji hachifambisi

Kutaurirwa hunyimwa vanhuwe-e, aaa!
Zvakatanga sekuseka tiri kwaChecheche,
Sechivhundu, takavarairwa kuti vavava,
Mumubvuri vemusharu takagara tatata,
Takazviona zvedu vachangoti gogogo,
Nemeso machena, akati chuchuchu!
Vakapfeka dzino dzakati mbambamba,
Vachitaura zvisingazwisisiki, tikati zvimumumu,
Hameno chakati tibate’mbwa podzoti huhuhu,
Chiriporipotyo! Vatokanda chavo chikokoko,
Mudariro, pamhene vatoti negotsi dedede,
Hazvina nguva, vagadzirira kutamba chachacha,
Nhaka hazviridzirwi bhero kuti pipipi,
Muchidimbu, umwe naumwe kubva gagaga,
Ferere-ferere, kwete kabisira semubobobo,
Kwese-kwese dziriko mharapatsetsetse,
Dzisingadi kupfuurwa nezvinhu, kunyanyanyanya,
Isu, tisu vacho, vakomana vemudhudhudhu,
Tiri vechizvinozvino, pakadai hatisaririri,
Kurwira asiri wako, zvino yangove hohoho,
Zvichingopera ndiye mwanda, vamwe nekokoko,
Zvino tasenga hosha, dumbu ndendende!
Homwe taive takasunga chishwe kuti nganganga,
Takazongoona dzabooka, kupera kuti papapa,
Iyambiro, musadaro hazviitwiba, iii!

2 Replies to “Chine manenji hachifambisi”

  1. I am very impressed nenhetembo dzenyu nyamduri and i would like to offer you free website upgrades. Keep up with the good work

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*