Nhai Marwei

Ko-o, ndotangira papi?
Ndakakuziva uchakadai!
Kare nguva gochaimatehwe!
Zvino ave makumi mashanu!
Ungori ipo pano padivi,
Rega ndimbodzora ndangariro,
Kuenda iko kwazvakatangira.

Ikoko kudanga remvura,
Pawaikwira mumuMango,
Wakarabwa vari munyasi,
Uchikotama zvisina mwero,
Ipo pamberi paSezani,
Ko, ndiani aiziva?
Kuti vachazove vanyarikani?

Tichayaruka kurasa muswe,
Bva ndizvo zvinoita pwere!
Shena mbuu uchibva kuSheni,
Isu vamwe taive mbee,
Rujeko rwukakutora mwoyo,
Kwaendwa kungoteverana,
Saiye Solo naMutsai!

Vamwe kuti tambe-tambe?
Zvofinha voti mumwe kwake,
Iwe neni waive umwe mutoo,
Takatamba amai vevana!
Hapana godobori rakazviona,
Kuti pachati makumi mashanu,
Tinenge tichangofara tose!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*