N’anga Chivanhu

Hama kaha, kukushamira semutombo!
Vanoziva wakapedza makore mashanu,
Uchiverenga kuchikoro chevazungu,
Kudzoka wakapfeka ngovani yefundo,
Wadadisa, wokushewedza kuti chiremba!

Ko-o, ini n’anga yedzinza hamundioni?
Nekuti ndakapfeka yangu yemurara?
Ndakafundiswa kwemakumi emakore,
Kubva undumure, kutevedzera vasharukwa,
Kuvatevera mutsine, pasina kana gwanzi!

Pavapinda, mudziva nyangwe musango,
Inzwa mutsindo wezvikara zvinorura!
Kukwira danda rine marumamombe,
Kubayiwa, kumanikidzira pamudhorofiya,
Kutukutira chikumbu chine unye, uriri!

Kutoombera usati wapinda masango,
Potse-potse unobatwa nechahwihwi!
Wotora shizha, kutanga vanwa mvura,
Usati watsika remberi pakuyambuka,
Ungaera waeredzwa kana kunyudzwa!

Kuri kutsvaga mudzi, bote chero shizha,
Woita kutsukutira, kutsenga kana kunwa,
Dzimwe nguva wohwira sembwirembwire,
Vanyanyoshata’bva wokurungira mubota,
Riri pfuta, wochengera kudya mutupo!

Mubvamaropa unomisa musoro kutema,
Wokuya Mukundanyoka kurapa mazino,
Mudzi weMutohwe kunzeve dzinorwadza,
Mashizha eMutsambadzi anomisa dzihwa,
Vashaya kubva woedza Ndimu, inoita futi!

Nhungumira inodzora kudunduvira kwetsinga,
Muto weMuringa unosimbisa muviri vose,
Kana icho chirungurira paya wakafufutirwa,
Tsangamidzi isa mumuriwo kurapa mudumbu,
Waita manyoka kubva wosvisvina mapfura!

Mukotopeya unowedzera kufamba kweropa,
Mashizha emuMango ndeekurapa mota,
Gavakava wozora kumeso kuchenesa nyora,
Munyatera wotsukutira pawarumwa nenyoka,
Muto weShumha wosvinira pamaronda!

Changu chitumba ndechedenderedzwa,
Pfukwa nezvitsinga hazvina pokuhwanda,
Handina huroyi, zvipoko kana zvikwambo,
Ndiri chiremba, kukurapai panorwadza,
Svikai, svikai zvenyu makasununguka!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*