Runako

Vemanzwi matete vanoziva,
Simba rekutarisika kwemeso,
Zvikazosanganiswa nenjere,
Hupenyu hwave pamutenure,
Asi harusi rwerudzi rumwe,
Runako!

Rwangu nderwekuzvarwa narwo,
Kubva muhucheche tichakama,
Chembere dzaikachamadzwa,
Neangu meso aipenya semheni,
Hanzi kupotsa padiki aita musikana,
Runako!

Kana tichatanga chikoro,
Bunha dzaiita kurongana,
Kugogodza pane rangu gonhi,
Vana vavana muzvinachitoro,
Ini mbeva mudyiwa neganda,
Runako!

Nhenha dzoita kurwirana,
Kana isu majaya tati pfacha,
Mabhurugwa takarembedza,
Needu meso machena,
Anotaima mujenaguru,
Nanhasi tinarwo runako!

Hazvipereri pameso bedzi,
Moyo vozvininipisa paruzhinji,
Pane vembabvu mopeta muswe,
Muromo voziva pokushama,
Mazino arambe akaringana,
Ndiko kuchengetedza runako!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *